Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Titosi 1:1-4

Titosi 1:1-4 SCLBD

Ndini Pauro; muranda waMwari nomupositori waJesu Kristu kuti ndiendese mberi chitendero chavasarudzwi vaMwari uye kuti ndiendese mberi kuziva kwavo chokwadi chinowirirana nokunamata Mwari. Ndinoita izvi pamusana pechitarisiro choupenyu husingaperi hwakatsidzirwa pasichigare naMwari asingarevi nhema. Hwakazoratidzwa pachena mushoko rake, panguva kwayo nokuparidza kwandakaturirwa maererano nokukudzwa kwandakaitwa naMwari mununuri wedu. Ndiri kunyorera iwe Titosi mwana wangu chaiye muchitendero chimwetecho neni. Dai wangowana chikomborero chenyasha norugare zvichibva kuna Mwari Baba nokuna Kristu Jesu mununuri wedu.

Verenga chikamu Titosi 1