Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 8:1-4

Varoma 8:1-4 SCLBD

Nokudaro hapachisina anopiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, nokuti muna Kristu Jesu mutemo waMweya woupenyu wakandisunungura kumutemo wechitadzo noworufu. Mwari, nokutumira kwaakaita mwana wake pachake akafanana navanhu venyama uye sechibayiro chezvitadzo, akaita zvisina kukwanisika kuitwa nomutemo pamusana poutera hwavanhu, zvokuti akatongera chitadzo chiri muvanhu mhosva yokuparadzwa. Izvi zvakaitirwa kuti zviri pamwero zvinodiwa nomutemo zvizadzikiswe matiri isu tisingagari upenyu hwenyama asi upenyu hwomweya

Verenga chikamu Varoma 8