Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 91:1-7

Nziyo 91:1-7 SCLBD

Munhu anogara mudumba roWokumusorosoro, anogara mumumvuri waSamasimbaose, anogona kuti kuna TENZI, “Ndimi diziro rangu nhare.” Nokuti achakununura kumunhu anokuteya zvakaipa uye kudenda rinoparadza. Achakufukidza neminhenga yake uchiwana pokuhwanda mumapapiro ake. Kutendeka kwake inhowo yakatenderedza. Zvinotyisa zvousiku hauzozvitya kana museve unokandwa masikati. Kana mharadzi dzinofamba murima, nyange zvinoparadza masikati machena. Kurutivi rwako kungawire zvako churu kurudyi kwako kugowira gumi rezviuru asi iwe hapana chinokusvika.

Verenga chikamu Nziyo 91