Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuverengwa 4:21-49

Kuverengwa 4:21-49 SCLBD

Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Verenga vanhu vemhuri yokwaGerishoni verenga vanhu vose, mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo, vanhurume vose kubvira pana vana makore makumi matatu zvichikwira kusvikira pana vana makumi mashanu, vanokwanisa kushanda mutendhe rokusanganira. Iri ndiro basa remhuri dzokwaGerishoni pavanoshanda nokutakura zvinhu. Ndivo vanotakura machira maviri okudzikatirisa tendhe rokusanganira needenga rayo, romukati nerapamusoro, nedehwe rembudzi rokufukidza padenga paro nejira rokudzikatirisa repamusuo, namachira okudzikatirisa ruvanze rwomukati metendhe rinoera, nejira rokudzikatirisa pamusuo wokupinda muruvanze mune atari, netambo dzayo, nemidziyo yose yebasa ravo. Vanofanira kuita basa rose rinodiwa pazviri. Basa rose richaitwa nevekwaGerishoni ibasa ravanenge vatumwa naAroni nevana vake, zvose zvavanotakura nazvose zvavanoita. Ndimi muchavapa basa rokutakura. Saka mabasa iwaya ndiwo avanhu vemhuri yokwaGerishoni avanoita mutendhe rinoera. Vachaaita vachitungamirirwa naItamaru mwanakomana womupristi Aroni. “Verenga vaRevhi vemhuri yokwaMerari uchiverenga vanhu vose mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo. Verenga vanhurume vose kubvira pana vana makore makumi matatu zvichikwira kusvikira pana vana makumi mashanu vanokwanisa kushanda mutendhe rokusanganira. Iri ndiro basa ravo rokutakura ndiro basa rose mutendhe rokusanganira basa rokutakura mbiru nezvigadziko namapango nembariro zvetendhe rokusanganira, nembiru dzenhandare yose kuitenderedza nezvigadzikiro zvadzo nehoko netambo nenhumbi dzavo nezvose zvadzinoshanda nadzo. Iri ndiro basa revemba yokwaMerari, basa rose ravanoita mutendhe rokusanganira. Vachariita vachitungamirirwa naItamaru mwanakomana womupristi Aroni.” Mosesi naAroni navatungamiriri vegungano ravaIsiraeri vakaverenga vanhurume vemba yokwaKohati, mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo, kubvira pana vana makumi matatu amakore zvichikwira kusvikira kuna vana makumi mashanu, vose vaikwanisa kuita basa romutendhe rokusanganira. Pamhuri dzavo dzose vaikwana zviuru zviviri namazana manomwe ana makumi mashanu avanhu. Ihwohwu ndihwo uwandi hwevemba yokwaKohati, vose vaiita basa remutendhe rokusanganira vaya vakaverengwa naMosesi naAroni sokuudzwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. Vechirume vemba yokwaGerishoni vakaverengwa, mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo, kubvira pana vana makumi matatu amakore zvichikwira kusvikira kuna vana makumi mashanu, vose vaikwanisa kuita basa romutendhe rokusanganira. Pamhuri dzavo dzose nedzimba dzamadzibaba avo vaikwana zviuru zviviri namazana matanhatu ana makumi matatu avanhu. Ihwohwu ndihwo uwandi hwevemba yokwaGerishoni, vose vaiita basa romutendhe rokusanganira vakaverengwa naMosesi naAroni sokuudzwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. Vanhurume vemba yokwaMerari vakaverengwa, mhuri nemhuri nedzimba dzamadzibaba avo, kubvira pana vana makumi matatu amakore zvichikwira kusvikira kuna vana makumi mashanu, vose vaikwanisa kuita basa romutendhe rokusanganira. Pamhuri dzavo dzose nedzimba dzemadzibaba avo vaikwana zviuru zvitatu namazana maviri. Ihwohwu ndihwo uwandi hwevechirume hwevemba yokwaMerari vakaverengwa naMosesi naAroni sokuudzwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. VaRevhi vose zvavo vakaverengwa naMosesi naAroni navatungamiriri vavaIsiraeri, vaiverengwa mhuri nemhuri, nedzimba dzamadzibaba avo. Vaibvira kuverenga pana vana makumi matatu amakore zvichikwira kusvikira kuna vana makumi mashanu, vose vaikwanisa kupinda basa rokushanda nokutakura mitoro yomutendhe rokusanganira. Vose vakaverengwa vaikwana zviuru zvisere namazana mashanu ana makumi masere avanhu. Vose vakaverengwa sokutaurirwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. Mumwe nomumwe akapiwa basa rokuita kana kuudzwa zvokutakura, ndokuverengwa kwavakaitwa sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi.