Mateu 6:27-32
Mateu 6:27-32 SCLBD
Ndiani wenyu angarebese upenyu hwake nechidimbu pamusana pokuzvidya mwoyo? Ko munozvinetsereiko muchifunga nezvokupfeka? Tarisai muone maruva esango kuti anokura sei. Haabati basa kana kuruka. Asi ndinoti kwamuri kunyange Soromoni pachake nembiri yake yose iya, akanga asina kushongedzwa serimwe raiwaya. Kana Mwari achishongedza uswa homusango huripo nhasi uno, mangwana hwokandwa muchoto, haasi anokupfekedzai zvakatonyanya here imi vanhu vochitendero chiduku. Saka musazvidye mwoyo muchiti tichadyei kana kuti tichanwei kana kuti tichapfekei. Nokuti vechirudzi vanotsvaka zvose izvi asi Baba venyu vokudenga vanoziva kuti zvose izvi munozvida.

