Nezuva iroro Jesu akabva mumba muya akandogara pamahombekombe egungwa. Akaunganirwa nechita chikuru chavanhu zvokuti akatozokwira mugwa ogaramo. Gungano rose ndokuti chechetere kumira pamahombekombe. Akavataurira zvinhu zvizhinji nemienzaniso achiti: “Mukushi akaenda kundokusha mbeu. Paakanga achikusha kudaro, dzimwe mbeu dzakandowira munzira. Shiri dzakauya dzikadzidya. Dzimwe dzakawira parukangarahwe padzisina kuwana ivhu rakadzika. Dzakabva dzakurumidza kumera nokuti dzakanga dzisina ivhu rakawanda. Kuzoti zuva rakwira dzakatsva. Sezvo dzakanga dzisina midzi; dzakashwauruka. Dzimwe dzakandowira muminzwa. Minzwa yakakura ikadzivhunga. Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka dzikabereka mbesa. Dzimwe dzakaita zana, dzimwe makumi matanhatu. Dzimwe makumi matatu. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Vadzidzi vakazouya kwaari vakati, “Munotaurirei kwavari nemienzaniso?” Iye akavapindura achiti, “Imi makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwokudenga. Asi ivo havana kuzvipiwa nokuti uyo anazvo achawedzerwa zvimwe achitova nezvakawandisa. Asi uyo asina, kunyange chaanacho achachitorerwa.
Verenga chikamu Mateu 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 13:1-12
5 Mazuva
Nerimwe zuva zvose zvichasara zvoupenyu hwedu uchava mutsetse (tsee) pakati pokuzvarwa kwedu norufu. Tingaunzira Kristu mutsauko wakakura munguva pfupi yatinayo pasi pano sei? Urongwa uhu hunokubatsira kutarisa hupenyu nomuono wokusingaperi, woziva zvibingamupinyi zviripo, uye wodzidza kuvakiridza chikamu chimwe nechimwe choupenyu hwako kuti ugorarama vavariro yako, ugova netariro, nomufaro zuva rimwe nerimwe. Muono unoshandura zvose!
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo