Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 13:1-12

Mateu 13:1-12 SCLBD

Nezuva iroro Jesu akabva mumba muya akandogara pamahombekombe egungwa. Akaunganirwa nechita chikuru chavanhu zvokuti akatozokwira mugwa ogaramo. Gungano rose ndokuti chechetere kumira pamahombekombe. Akavataurira zvinhu zvizhinji nemienzaniso achiti: “Mukushi akaenda kundokusha mbeu. Paakanga achikusha kudaro, dzimwe mbeu dzakandowira munzira. Shiri dzakauya dzikadzidya. Dzimwe dzakawira parukangarahwe padzisina kuwana ivhu rakadzika. Dzakabva dzakurumidza kumera nokuti dzakanga dzisina ivhu rakawanda. Kuzoti zuva rakwira dzakatsva. Sezvo dzakanga dzisina midzi; dzakashwauruka. Dzimwe dzakandowira muminzwa. Minzwa yakakura ikadzivhunga. Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka dzikabereka mbesa. Dzimwe dzakaita zana, dzimwe makumi matanhatu. Dzimwe makumi matatu. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Vadzidzi vakazouya kwaari vakati, “Munotaurirei kwavari nemienzaniso?” Iye akavapindura achiti, “Imi makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwokudenga. Asi ivo havana kuzvipiwa nokuti uyo anazvo achawedzerwa zvimwe achitova nezvakawandisa. Asi uyo asina, kunyange chaanacho achachitorerwa.

Verenga chikamu Mateu 13