Jona 4:9-11
Jona 4:9-11 SCLBD
Asi Mwari akati kuna Jona, “Zvauri kuita izvozvi zvokushatirirwa mupfuta zvakanaka here?” Iye akapindura achiti, “Zvokushatirwa zvandiri kuita zvakanaka, ndiri kutoshatirwa zvokufa.” TENZI akati, “Unonzwira urombo mupfuta wausina kushandira zvako uye wausina kumboita kuti ukure. Wakavapo nousiku umwechete ukazopararawo nousiku humwechete. Ini ndingarege here kunzwira tsitsi Ninivhe guta guru rina vanhu vanodarika zana namakumi maviri ezviuru vasingazivi kusiyanisa rudyi noruboshwe rwavo uyewo mune zvipfuwo zvakawanda.”

