Mwari Tenzi akaudza munhu kuti, “Idya zvako michero yemiti yose iri mubindu umu. Asi usadye muchero womuti woruzivo rwezvakanaka nezvakaipa, nokuti zvechokwadi musi waunoudya unofa.” Mwari Tenzi akazoti, “Hazvina kunaka kuti munhu agare oga. Ndichamusikira mubatsiri akakodzerana naye.” Mwari Tenzi akatora ivhu akaumba mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akauya nadzo kuna Adhamu achida kuona kuti achadzitumidza mazita api. Mazita ose akatumidzwa zvinhu zvipenyu naAdhamu, ndiwo akava mazita azvo. Adhamu akatumidza mazita zvipfuwo zvose, neshiri dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi Adhamu akanga asina mubatsiri aikodzerana naye. Mwari Tenzi akavatisa Adhamu hope dzorufu. Avete kudaro, Mwari akamubvisa mbabvu yake imwechete ndokubva aisa nyama panzvimbo yayo. Mwari Tenzi akatora mbabvu iya ndokuumba munhukadzi ndokumupereka kuna Adhamu. Adhamu akati, “Hounoka zvino bvupa ramapfupa angu, nyama yomuviri wangu chaiyo. Achanzi munhukadzi, nokuti akatorwa pamunhurume.” Naizvozvo murume achasiya baba vake naamai vake achiva chiname nomukadzi wake, vaviri ava vachiva nyama imwechete. Izvozvi murume nomukadzi wake vose vari vaviri vakanga vasina kusimira asi vakanga vasinganyarani.
Verenga chikamu Mavambo 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 2:16-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo