Vagaratia 3:1-9
Vagaratia 3:1-9 SCLBD
Imi vaGaratia mava kupenga here imi? Asi makaroiwa? Inga wani makanyatsotsanangurirwa pachena nezvokurovererwa pamuchinjikwa kwaJesu. Ndingade kumbokubvunzai izvi chete zvokuti iyemi makagamuchira Mweya pamusana pezvisungo zvomitemo here kana kuti nokudavira zvamakanzwa? Kuzungairai kwakadai? Vanhu vakatangisa muMweya, ndimi mavakupedzesera munyama here? Kutambudzika kose uku makatambudzikira pasina here? Kana kunganzi chaizvoizvowo kutambudzikira pasina, ko iye anokupai Mweya Mutsvene achiita zvishamiso pakati penyu, anozviita pamusana pezvisungo zvomutemo here kana kuti nokunzwa nechitendero? Abhurahamu akatenda muna Mwari zvikamupa kunzi akarurama. Naizvozvo munozvionawo kuti vanhu vechitendero ndivo vana vaAbhurahamu. Magwaro Matsvene paakaona kuti Mwari anoruramisa marudzi nechitendero akafanoparidza Abhurahamu Shoko Rakanaka achiti, “Ndudzi dzose dzichakomborerwa pamusana pako.” Saizvozvo vanhu vechitendero vanokomborerwa pamwechete naAbhurahamu aiva nechitendero.

