Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Esita 2:5-14

Esita 2:5-14 SCLBD

Guta reSusa, guta guru romuzinda wamambo maiva nomumwe murume muJudha ainzi Modhekai mwana waJairi mwana waShimei ari mwanawo waKishi wedzinza rokwaBhenjamini. Modhekai uyu akanga atakurwa kuJerusaremu mukati menhapwa dziye dzokuendwa nadzo pamwechete naJekoniya mambo wokwaJudha akatapwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi. Modhekai ndiye akarera Hadhasa, ainziwo Esita mwanasikana wababamunini vake nokuti akanga ava nherera isina baba kana amai. Musikana iyeyu akanga ari musikana aitarisika zvakanaka ane chimiro chinoyevedza. Pakafa baba namai vake, Modhekai ndiye akasara ava kumurera ava kumuona semwanasikana wake. Zvino pakanga pachiparidzwa chirevo chamambo chiya uye vasikana vazhinji pavakanga vaungana muguta reSusa, guta romuzinda, vava mumaoko aHegai, Esita akaendwa naye mumuzinda wamambo akaiswawo mumaoko aHegai aiva nebasa rokuona nezvevanhukadzi. Mhandara iyi yakafarirwa naHegai akabva ava kumuitira zvakanaka. Akakurumidza kumupa mafuta akewo okuzora nomugove wake wechokudya navasikana vanomwe shasha chaidzo dzomumuzinda wamambo, akamukwiridzira iye navasikana vake akamuendesa kwakanakisisa kwazvo mumba yavanhukadzi. Esita akanga asina kuvaudza rudzi rwake kana hama dzake nokuti Modhekai akanga amukohomedza kuti asabudise izvozvo pachena. Zuva nezuva Modhekai aifamba-famba pamberi penhandare yemba yavanhukadzi kuti anzwe kuti Esita akadii, uye kuti zvaimufambira sei. Musikana woga woga aiva nechijana chake chokupinda muna mambo Ahasuerusi. Pamurawo waisunga nezvavanhukadzi ivavo, kupindamo, aitozopinda kwapera mwedzi gumi nemiviri nokuti ndiyo nguva yacho yavaipedza yokuzvivandudza nayo runako, vaiita mwedzi mitanhatu namafuta emura, vozoitawo mimwezve mwedzi mitanhatu vaine twokurungisa tunonhuwirira namafuta okuzora echikadzi. Musikana paaizopinda muna mambo saizvozvi chaainge ada kuti ave nacho aipiwa chokuenda nacho chichibva kumba yavanhukadzi achienda kumuzinda wamambo. Aiendako manheru, mangwana mangwanani aizodzoka osvikira mumba yechipiri yavanhukadzi ova mumaoko aShaashigazi mumwe muyuniki wamambo aiva nebasa rokuona nezvevarongo vamambo. Akanga asingazobvumidzwazve kupinda muna mambo asi kutoti mambo atofadzwa zvake naye uye atoita zvokudaidzwa nezita.

Verenga chikamu Esita 2