Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Amosi 3:1-11

Amosi 3:1-11 SCLBD

Chinzwai shoko rinotaurwa naTENZI rokukuyambirai imi vanhu veIsiraeri, ndichiyambira mhuri yose zvayo yandakaburitsa munyika yeIjipiti: “Imimi chete ndimi vandinoziva pamhuri dzose dzapasi pano, naizvozvo ini ndichakurangirai uipi hwenyu hwose.” Ko vanhu vaviri vangafambe pamwechete vasina kurangana here? Ko shumba ingahon'e musango here iyo isina nyama yayabata? Ko shumba ichine simba rayo zvayo ingadhurume here mubako mayo iyo isina chayakabata? Ko ipo panyika pano shiri ingabatwe pamusungo pasina kuteiwa here? Ko musungo ungarapuka here usina chinhu chawabata? Ko tsuri ingaridzwe here muguta vanhu vakasatya? Ko guta ringawirwa nenhamo here TENZI asina kutoti zviitike? TENZI Mwari haana chaanomboita asina kutanga ambozivisa vaporofita, varanda vake. Kana shumba ikadzvova ndiani asingatyi? TENZI Mwari akataura ndiani angasaporofita. Daidzirai kumizinda yeAsiria nokumizinda yeIjipiti muti, “Unganai pagomo reSamaria muone zvenyu nyonganyonga iri mariri namabatirwo akaipa ari kuitwa vanhu mariri.” Zvanzi naTENZI, “Havazivi kuita zvinhu nemazvo, vanotopfimbika utsinye nokupamba mumizinda mavo. Naizvozvo, zvanzi naTENZI Mwari, muvengi achakomba nyika ino agokoromora zvinokudzivirirai zvacho nhare yenyu yokuzvidzivirira nayo muhondo igopambwa.”

Verenga chikamu Amosi 3