Mabasa 24:14-16
Mabasa 24:14-16 SCLBD
Asi izvi ndinobvuma pamuri, kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu ndichitevera nzira yekavari kuti kaboka. Ndinotenda zvose zvakatemwa nomutemo kana zvakanyorwa navaporofita. Ndine chitarisiro muna Mwari zvinobvumwa naivava kuti kuchava nokumuka kwavafi, vakarurama navakaipa. Saizvozvo ndinoedza kwazvo kuchengetedza hana yangu yakachena kuna Mwari nokuna vanhu.

