Mabasa 19:1-16
Mabasa 19:1-16 SCLBD
Aporosi paakanga ari kuKorinde, Pauro akapfuura nokunyika yokumusoro akasvika kuEfesusi. Ikoko akawana vamwe vadzidzi. Akavati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakadavira?” Ivo vakati, “Kwete. Hatina kana kutombonzwa kuti kuna Mweya Mutsvene.” Akavati, “Ko zvino makaombekwa noruombeko rwupi?” Ivo vakati, “Noruombeko rwaJohani.” Pauro akati, “Johani aiombeka noruombeko rwokuti vanhu vapinduke achitaurira vanhu kuti vatende muno uyo akanga achauya mushure make achireva Jesu.” Pavakanzwa izvi vakaombekwa muzita raTenzi Jesu. Pauro paakaisa maoko ake pavari, Mweya Mutsvene akaburukira pavari. Vakataura nendimi vakaporofita. Pamwechete vakanga vari varume gumi navaviri. Aipota achipinda musinagogu; kwemwedzi mitatu aitaura asingatyi achidzidzisa zvokuti vabvume zvoumambo hwaMwari. Asi vamwe vakanga vakaomesa mwoyo vasingatendi vakatotaura zvakaipa nezvenzira iyi pamberi peruzhinji. Akabva mukati mavo akatora vadzidzi akadzidzisa pachikoro chaTiranosi zuva nezuva, izvi zvakaitika kwamakore maviri zvokuti vagari vose vokuAsia vakanzwa Shoko raTenzi, vaJudha navaGiriki. Mwari akaita minana inoshamisa kwazvo namaoko aPauro zvokuti mahengechepfu kana maepuroni zvainge zvamboguma pamuviri pake zvaitorwa zvichiendwa nazvo kuvarwere. Matenda aibva, apera mweya yakaipa ichibva mavari. Kune vamwe vaJudha vaiva vadzingi vomweya yakaipa vakanga vasingagari panzvimbo imwechete, vakaedza kudoma zita raTenzi Jesu pane vakanga vane mweya yakaipa vachiti, “Ndinokudzinga naJesu anoparidzwa naPauro.” Kwaiva navanakomana vanomwe vomupristi mukuru ainzi Sikevha vaiita izvozvo. Asi mweya wakaipa wakapindura uchiti, “Jesu ndinomuziva naPauro ndinomuziva asi imi ndimi vana ani.” Munhu aiva nomweya wakaipa uya akavasvetukira akavakunda ndokuvakurira vose vari vaviri zvokuti vakatiza mumba imomo vasisina kupfeka uye vakuvara.

