Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 17:1-5

Mabasa 17:1-5 SCLBD

Vakati vapfuura nomuAmupfiporisi nokuAporonia vakasvika kuTesaronika kwaiva neSinagogu yavaJudha. Pauro akapindamo, setsika yake, akaitirana nharo navo kwamasvondo matatu achishandisa Magwaro Matsvene achitsanangura nokuratidza kuti zvaifanirwa kuti Kristu atambudzike uye kuti amuke muvakafa uye achiti Jesu wandinoparidza kwamuri ndiye Mesia iyeyu. Vamwe vavo vakazvibvuma vakabatana naPauro naSirasi sezvakangoitawo vazhinji vechiGiriki vaitya Mwari navadzimai vapamusoro vakawanda. Asi vaJudha vakaita shanje. Vakatora vanhu vakaipa mukati memaswerokuenda avanhu. Vakakokorodza mhomho vakanyandutsa guta iroro. Vakandorwisa mhuri yokwaJasoni vachida kuburitsa Pauro naSirasi kuvanhu.

Verenga chikamu Mabasa 17