Mabasa 16:22-24
Mabasa 16:22-24 SCLBD
Mhomho yavanhu yakabatana navo mukuvarwisa. Vatongi vaya vakabvarura hanzu dzavo vachidzibvisa pavari. Vakati ngavarohwe neshamhu. Pavakanga vavarova zvakanyanya, vakavaisa mujeri vachiti kune muchengeti wejeri anyatsovachengetedza kwazvo. Paakaudzwa izvi akavaisa mujeri romukatikati akavakachikira makumbo avo mumatanda.

