Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 1:6-14

Mabasa 1:6-14 SCLBD

Saizvozvo pavakanga vaungana vakamubvunza vachiti, “Tenzi, panguva ino ndipo here pamuchadzosera pakare umambo kuIsiraeri?” Iye akati, “Hazvisi zvenyu kuziva misi nenguva dzakatemwa naBaba nesimba ravo. Asi imi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamuri uye muchava zvapupu zvangu muJerusaremu nomuJudhea yose nokuSamaria kusvika kwakaperera nyika?” Paakapedza kutaura izvi akasimudzwa vakatarisa kudaro, gore richimukwidza kudenga rikaita kuti asaonekwe kwavari. Vachiri kunan'anidza kudenga, paaienda; havo varume vaviri vakamira pavari vakapfeka magemenzi machena. Vakati, “Ko imi vanhu veGarirea makamirirei makatarira kudenga? Jesu iyeyu atorwa pamuri achienda kudenga achauya nenzira imwecheteyo sokumuona kwamaita achienda kudenga.” Vakazodzokera kuJerusaremu vachibva kugomo rinonzi Orivheti riri pedyo neJerusaremu, chinhambwe cherwendo rwunobvumirwa pamusi weSabata. Pavakapinda vakaenda kuimba yapamusoro mavaigara. Paiti Pita naJohani kouya Jemusi naAndireya kwoti Firipi naTomasi kwozoti Bhatoromeo naMateu kwozotiwo Jemusi mwana waArifeosi uyewo Simoni Muziroti naJudhasi mwana waJemusi. Vose ivava vakazvipira pakunamata pamwechete namadzimai naMaria amai vaJesu navakoma navanun'una vake.

Verenga chikamu Mabasa 1