2 Nhoroondo 20:1-15
2 Nhoroondo 20:1-15 SCLBD
Mushure maizvozvi, vaMoabhu navaAmoni vaine vamwe vechiMeuni vakauya kuzorwisa Jehoshafati. Kwakauya vanhu kuna Jehoshafati vakamuudza kuti, “Kuri kuuya gurusvusvu ravanhu uku kuzokurwisai richibva kumhiri kwegungwa, richibva kuEdhomu. Kutaura kuno vatova kuHazazonitamari” (ndiko kunonzi kuEngedhi). Jehoshafati akapindwa nokutya akazvipira kutsvaka Tenzi, akatumira chirevo chokuti vanhu vatsanye munyika yose yaJudha. VokwaJudha vakaunganidzana kutsvaka kubatsirwa naTenzi. Vakakotonoka mumaguta ose okwaJudha kuzotsvaka kubatsirwa naTenzi. Jehoshafati akamira mugungano revokwaJudha novemuJerusaremu, mumba yaTenzi paruvanze rutsva ruya, akati, “Tenzi, Mwari wamadzibaba edu, imi hamusirimi Mwari here mudenga'mu? Inga wani umambo hwose hwamarudzi avanhu huri mumaoko enyu. Uyewo ukuru nesimba zviri mumaoko enyu, zvokuti hapana angamirisane nemi. Imi Mwari wedu hamusirimi here makadzingira kunze vanhu venyu vaIsiraeri vagari venyika ino mukaipa narini wose kuzvizvarwa zvaAbhurahamu shamwari yenyu. Mavakadai kugara vakatokuvakirai mairi nzvimbo inoera, nzvimbo ine zita renyu, vachiti kana dai kuri kuti tawirwa nenyatwa, ingave hondo iri shamhu yokuranga, kana denda, kana nzara, kana tikamira pamberi pemba ino, mberi kwenyu, pamusana pokuti zita renyu riri pamba iyoyi tikachema kwamuri tiri munhamo dzedu, imi muchateerera motiponesa. “Chionaiwo zvino, vanhu vokuAmnoni nevokuMoabhu nezvokugomo reSeiri vaya vane nyika dzamakarambidza kupinda pavakabuda kunyika yeIjipiti vaye vavakanyenyeredza vakarega kuvaparadza. Hezvi vauya kuzotitsiva nokutiburitsa munhaka yenyu yamakatipa kuti tigare. Nhai Mwari wedu mucharega here kuvaranga? Nokuti isu simba rokumirisana negurusvusvu revanhu riri kuuya kuzotirwisa hatina. Chokuita hatichaziva, chedu isu kwava kungotarisira kwamuri.” Izvozvo vanhu vokwaJudha vose vakanga vamire mberi kwaTenzi nepwere dzavo namadzimai avo navana vavo. Mweya waTenzi wakauya pana Johazieri mwanakomana waZekariya, Zekariya aberekwa naBhenaya, Bhenaya mwanakomana waJeieri, Jeieri aberekwa nomurevhi Mataniya mumwe wavana vokwaAsafu ari mukati megungano ravanhu. Akati, “Teererai munzwe, imi mose vaJudha nemi vagari vomuJerusaremu nemi mambo Jehoshafati! Tenzi ari kuti kwamuri musatye henyu, musapazamiswe musoro negurusvusvu revanhu racho nokuti hamusirimi mucharwisa, asi kuti Mwari ndiye acharwisa.

