Rute 3:12-18
Rute 3:12-18 SNA2002
Zvino zvirokwazvo kuti ini ndiri hama yomumba, asi kune imwe hama iri pedyo kupfuura ini. Vata hako usiku hwuno; zvino mangwana, kana iye achida kukuitira zvinofanira kuitwa nehama, ndizvo hazvo; ngaaite zvinofanira kuitwa nehama; asi kana asingadi kukuitira zvinofanira kuitwa nehama, ini ndichakuitira zvinofanira kuitwa nehama, ndinopika naJehovha mupenyu; chivata hako kusvikira mangwana.” Iye akavata patsoka dzake kusvikira mangwanani, akamuka vanhu vachigere kunatsoona. Nokuti wakati, “Ngazvirege kuzikanwa, kuti mukadzi wakauya paburiro.” Akati, “Uya nenguo yawakafuka, uibate,” akaibata, iye akayera zviyero zvitanhatu zvebhari, akamutakudza akapinda muguta. Zvino wakati achisvika kuna vamwene vake, ivo vakati, “Zvazodiniko mwana wangu?” Akavaudza zvose zvaakanga aitirwa nomurume uya. Akati, “Iye wandipa zviyero izvi zvitanhatu zvebhari, nokuti wakati, ‘Usaenda kuna vamwene vako usina chinhu.’ ” Zvino vakati, “Chigara hako, mwana wangu, kusvikira waona mugumo weshoko iri, nokuti murume uyu haangazorori kusvikira apedza shoko iri nhasi.”

