Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 8:31-34

Varoma 8:31-34 SNA2002

Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari achitirwira, ndianiko achatirwisa? Iye asina kuramba kunyange noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose pamwechete naye? Ndianiko achakwirira vasanangurwa vaMwari? Mwari ndiye anoruramisa. Ndianiko achavapa mhosva? Kristu Jesu ndiye akafa, zvikuru ndiye akamutswa kuvakafa, ari kurudyi rwaMwari, anotinyengetererawo.

Verenga chikamu Varoma 8