Varoma 8:1-13
Varoma 8:1-13 SNA2002
Naizvozvo hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu. Nokuti murayiro woMweya woupenyu muna Kristu Jesu wakandisunungura pamurayiro wezvivi noworufu. Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurayiro, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, akapa mhosva zvivi zviri munyama; kuti zvakarehwa nomurayiro zviitike matiri, isu tisingafambi nenyama, asi nomweya. Nokuti vari venyama vanofunga zvenyama; asi vari vomweya, vanofunga zvomweya. Nokuti kufunga kwenyama ndirwo rufu; asi kufunga kwomweya ndihwo hupenyu norugare; nokuti kufunga kwenyama kunovengana naMwari; nokuti hakuzviisi pasi pomurayiro waMwari; hakugoniwo; zvino vari munyama havagoni kufadza Mwari. Asi imi hamuzi munyama, asi mumweya, kana Mweya waMwari achigara zvirokwazvo mukati mwenyu. Asi kana munhu asina Mweya waKristu, haazi wake. Kana Kristu ari mukati menyu, muviri wakafa nokuda kwezvivi, asi mweya mupenyu nokuda kwokururama. Zvino kana Mweya waiyeyo akamutsa Jesu kuvakafa achigara mukati menyu, iye akamutsa Kristu Jesu kuvakafa, achaponesa miviri yenyu inofa noMweya wake, unogara mukati menyu. Naizvozvo, hama dzangu, hatina mungava nenyama, kuti tirarame netsika dzenyama. Nokuti kana muchifamba netsika dzenyama, muchafa; asi kana muchiuraya mabasa omuviri noMweya, muchararama



