Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 15:1-7

Varoma 15:1-7 SNA2002

Zvino isu, tine simba, tinofanira kutakura utera hwavasina simba, tisingazvifadzi. Mumwe nomumwe wedu ngaafadze wokwake pane zvakanaka zvinosimbisa. Nokuti Kristuwo haana kuzvifadza; asi sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Kuzvidza kwavakakuzvidza nako kwakawira pamusoro pangu.” Nokuti zvose zvakanyorwa kare, zvakanyorwa kuti isu tidzidze kuti tive netariro inobva pakutsungirira napakunyaradza kwaMagwaro. Zvino Mwari wokutsungirira nowokunyaradza ngaakupei mwoyo mumwe pakati penyu, sezvinoda Kristu Jesu; kuti mukudze Mwari, baba vaIshe wedu Jesu Kristu, nomwoyo mumwe uye nomuromo mumwe. Saka gamuchirai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe.

Verenga chikamu Varoma 15