Zvino gamuchirai asina simba pakutenda kwake musingaiti gakava naye pamusoro pokufunga kwake. Mumwe munhu anokutenda kuti angadya zvose; asi asina simba anodya miriwo. Anodya ngaarege kuzvidza asingadyi; asingadyi ngaarege kupa mhosva anodya; nokuti Mwari akamugamuchira. Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe munhu mhosva? Iye anomira kana anowa pamberi paIshe wake. Achamiswa hake, nokuti Ishe ane simba rokumumisa.
Verenga chikamu Varoma 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 14:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo