Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 12:3-21

Varoma 12:3-21 SNA2002

Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinoudza mumwe nomumwe ari pakati penyu, kuti arege kuzvifunga mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari. Nokuti sezvatine mitezo mizhinji pamuviri mumwe, asi mitezo yose haina basa rimwechete; saizvozvo isu, tiri vazhinji, tiri muviri mumwechete munaKristu, mumwe nomumwe ari mutezo wavamwe. Tine zvipo zvakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuporofita, ngatiporofite zvakaenzana nokutenda kwedu; kana kuri kushumira, ngazvionekwe pakushumira kwedu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kwedu; kana kuri kurayira, pakurayira kwedu; anopa, ngaape nomwoyo wose; ari mukuru, ngaabate nokushingaira; anoitira ngoni, ngaaite nomufaro. Rudo ngarurege kuva nokunyengera. Vengai zvakaipa; namatirai zvakanaka. Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai. Regai kuva nousimbe pakushingaira; pisai pamweya; batirai Ishe; farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera; govanai navatsvene pakushayiwa kwavo; itirai vaeni rudo. Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka. Farai navanofara; chemai navanochema. Ivai nomwoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamwoyo yenyu makachenjera. Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose. Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose. Musatsiva, vadikanwi, asi mudziurire kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe.” Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake. Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.

Verenga chikamu Varoma 12