Varoma 12:1-2
Varoma 12:1-2 SNA2002
Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomwoyo. Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muedze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.


