Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 10:14-17

Varoma 10:14-17 SNA2002

Zvino vachagodana seiko kuna iye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi? Vachaparidza seiko, kana vasingatumwi? Sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko omufaro ezvinhu zvakanaka?” Asi vose havana kuteerera mashoko omufaro. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?” Naizvozvo kutenda kunouya nokunzwa, nokunzwa kunouya neshoko raKristu.

Verenga chikamu Varoma 10