Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 91:1-7

Mapisarema 91:1-7 SNA2002

Uyo agere panzvimbo yokuvanda yoWokumusorosoro Acharambira pamumvuri wowaMasimbaose. Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu, Iye Mwari wangu, wandinovimba naye.” Nokuti iye achakurwira parugombe rwomuteyi weshiri, Napahosha inouraya zvikuru. Iye achakufukidza nemhinenga yake, Uchatizira pasi pamapapiro ake; Zvokwadi yake inhoo huru neduku. Haungatyi chinhu chinovhundusa usiku, Kana museve unofurwa masikati; Kana hosha inofamba murima, Kana kuparadza kunouraya masikati. Kurutivi rwako kuchawa vane gumi ramazana, Nezana ramazana paruoko rwako rworudyi; Asi hazvingaswederi kwauri.