Mapisarema 119:1-3
Mapisarema 119:1-3 SNA2002
Vakaropafadzwa avo vane nzira yakarurama, Vanofamba mumurau waJehovha. Vakaropafadzwa vanochengeta zvipupuriro zvake, Vanomutsvaka nomwoyo wose. Zvirokwazvo, havaiti chinhu chisina kururama, Vanofamba munzira dzake.