Mapisarema 103:2-5
Mapisarema 103:2-5 SNA2002
Rumbidza Jehovha, mweya wangu, Urege kukanganwa mikomborero yake; Iye, anokanganwira zvakaipa zvako zvose; Anoporesa kurwara kwako kwose; Anodzikinura hupenyu hwako pakuparadzwa; Anokuisa korona younyoro nengoni; Anogutisa mwoyo wako nezvakanaka; Kuti utsva hwako huvandudzwe segondo.


