Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu. Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwe chipi nechipi, fungisisai izvozvo.
Verenga chikamu VaFiripi 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaFiripi 4:7-8
3 Mazuva
Pauro anoratidza mufaro wake pamwechete nekutenda VaFiripi nerubatsiro rwaakawana kubva kwavari. Kuwedzera pane zvipo izvozvo, vatendi vakazvipira kutumira mari munguva yaaive ari mutirongo. Mwari vanoziva zvatinoda paupenyu, nekutivimbisa kutipa izvozvo. Tinoziva kuti tikauya nezvikumbiro kwaari, achatipa simba rekurarama nekukunda pane zvinonetsa. Ndiye simba redu.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo