Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 3:2-9

VaFiripi 3:2-9 SNA2002

Ityai imbwa, ityai vabati vakaipa, ityai vokucheka; nokuti isu tiri vokudzingiswa, tinonamata noMweya waMwari, tinozvirumbidza muna Kristu Jesu, tisingavimbi nenyama, kunyange ini hangu ndingavimba nenyama; kana kunomumwe munhu anoti ndinovimba nenyama, zvikuru ini. Ndakadzingiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwavaIsiraeri veimba yaBenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurayiro ndiri muFarisi; pakushingaira kwangu, ndaitambudza sangano; pakururama kunorehwa nomurayiro ndakanga ndisina chandingapomerwa. Asi izvozvo, zvaiva pfuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuda kwaKristu. Hongu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurashikirwa hako nokuda kwokunaka kwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake, ndikazviedza marara, kuti ndiwane Kristu; ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kuri kwomurayiro, asi kuri kwokutenda kuna Kristu, ndiko kururama kunobva kuna Mwari nenzira yokutenda

Verenga chikamu VaFiripi 3