Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 1:9-14

VaFiripi 1:9-14 SNA2002

Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda pakuziva nokunzwisisa kwose; kuti muedze muzive kuti zvinhu zvakanaka ndezvipi, kuti muve vakarurama, vasina mhosva, kusvikira pazuva raKristu; muzere nechibereko chokururama, chinouya naJesu Kristu, kuti ave nokubwinya nokurumbidzwa. Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti izvo zvakandiwira zvakatofambisa Vhangeri; nokudaro kuti kusungwa kwangu kwakazikanwa muimba yashe yose, nokuna vamwe vose kuti kuri muna Kristu. Nehama zhinji muna Ishe, dzakasimbiswa nokusungwa kwangu, vonyanya kutsunga kuparidza shoko raMwari vasingatyi.

Verenga chikamu VaFiripi 1