Ndinovonga Mwari wangu nguva imwe neimwe kana ndichikufungai, ndichikumbira nomufaro nguva dzose pakukumbira kwangu kwose, pamusoro penyu mose nokuda kwokusangana kwenyu paVhangeri kubva pazuva rokutanga kusvikira zvino; ndichiziva chinhu ichi, kuti iye akatanga basa rakanaka mukati menyu, acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu; sezvazvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, zvandinokurangarirai mumwoyo mangu, nokuti pakusungwa kwangu napakudavirira nokusimbisa Vhangeri, imi makagoverwa nyasha pamwechete neni. Nokuti Mwari chapupu changu kuti ndinokushuvai mose zvikuru netsitsi dzaKristu Jesu. Ndizvo zvandinonyengetera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchingowanda pakuziva nokunzwisisa kwose; kuti muedze muzive kuti zvinhu zvakanaka ndezvipi, kuti muve vakarurama, vasina mhosva, kusvikira pazuva raKristu; muzere nechibereko chokururama, chinouya naJesu Kristu, kuti ave nokubwinya nokurumbidzwa.
Verenga chikamu VaFiripi 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaFiripi 1:3-11
3 Mazuva
Achitarisa ari muusungwa hweChiRoma, Pauro anotarira mufaro waiwa mubasa rake, kushandira Kristu pamwechete nevanhu. Anobuditsa pachena mufaro nekutenda, chiri chinhu chinobuditsa chikristu. Zvisinei nezvakatikomberedza, tinokwanisa kuva nemufaro chaiwo muchimiro ichocho. Pauro anoona kuraramira Kristu nemoyo wakaperera nekufungawo vamwe vanhu zvinounza mufaro nerukudzo. Ungasimudzirawo vamwe sei mukufamba naKristu kwavanoita?
21 Days
Learn how best to pray, both from the prayers of the faithful and from the words of Jesus Himself. Find encouragement to keep taking your requests to God every day, with persistence and patience. Explore examples of empty, self righteous prayers, balanced against the pure prayers of those with clean hearts. Pray constantly.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo