Jehovha akataura naMosesi akati, “Verenga vanakomana vose vaGeshoni, dzimba dzamadzibaba avo, nemhuri dzavo. Uverenge vanamakore makumi matatu navanopfuura kusvikira makore makumi mashanu; vose vanopinda kundobata basa, kubata mutende rokusangana. Ndiro basa remhuri dzavaGeshoni pakubata napakutakura mitoro: Ivo vanofanira kutakura machira etabhenakeri, netende rokusangana; nechokufukidzira chayo, nechokufukidzira chamatehwe amatenhe, chiri pamusoro payo, nechidzitiro chomukova wetende rokusangana; nezvirembedzwa zvoruvazhe, nechidzitiro chomukova wesuo roruvazhe, ruri patabhenakeri nokunhivi dzose dzeatari, namabote azvo, nenhumbi dzazvo dzose dzinobata mabasa azvo, nezvose zvinobatwa nazvo, ndiro basa ravo. Mabasa ose avanakomana vaGeshoni, zvose zvavanofanira kutakura nezvavanofanira kubata, zvinofanira kurairwa naAroni navanakomana vake; munofanira kuvagadza pabasa ravo rose rokutakura. Ndiro basa remhuri dzavana vaGeshoni patende rokusangana; pabasa ravo rose vanofanira kurairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupristi.
“Kana vari vanakomana vaMerari, unofanira kuvaverenga nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo. Uverenge vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira makore makumi mashanu, mumwe nomumwe, vose vanopinda pabasa, kubata basa retende rokusangana. Ndiro basa ravo rokutakura, sezvavanofanira kubata mutende rokusangana: Matanda etabhenakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo; nembiru dzoruvazhe rwakapotedza, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo dzose, namabote adzo, nenhumbi dzadzo dzose, nezvose zvavanobata nazvo; unofanira kuvatarira namazita avo nhumbi dzavanofanira kuchengeta pakutakura. Ndiro basa remhuri dzavanakomana vaMerari, sezvavaifanira kubata basa mutende rokusangana, vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupristi.”
Zvino Mosesi naAroni namachinda eungano vakaverenga vanakomana vaKohati nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo; vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe vose vaifanira kupinda pabasa, kubata basa mutende rokusangana; vakaverengwa kwavari nemhuri dzavo vakasvika zviuru zviviri namazana manomwe namakumi mashanu. Ndivo vakaverengwa vemhuri dzavaKohati, vose vakanga vachibata basa mutende rokusangana, vakaverengwa naMosesi naAroni, sezvakarairwa naJehovha nomuromo waMosesi. Vakaverengwa vavanakomana vaGeshoni nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe aifanira kupinda pabasa, kubata basa mutende rokusangana, vakaverengwa kwavari nemhuri dzavo nedzimba dzamadzibaba avo, vakasvika zviuru zviviri namazana matanhatu namakumi matatu. Ndivo vakaverengwa vemhuri dzavana vaGeshoni, vose vakanga vachibata basa mutende rokusangana, vakaverengwa naMosesi naAroni, sezvakarairwa naJehovha.
Vakaverengwa vemhuri dzavanakomana vaMerari, nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe aifanira kupinda pabasa, kubata basa mutende rokusangana; vakaverengwa kwavari nemhuri dzavo, vakasvika zviuru zvitatu namazana maviri. Ndivo vakaverengwa vemhuri dzavanakomana vaMerari, vakaverengwa naMosesi naAroni, sezvakarairwa naJehovha nomuromo waMosesi.
Zvino vose vakaverengwa vavaRevhi, vakaverengwa naMosesi naAroni namachinda avaIsiraeri, nemhuri dzavo, nedzimba dzamadzibaba avo, vakanga vana makore makumi matatu navanopfuura, kusvikira pamakore makumi mashanu, mumwe nomumwe aifanira kupinda kuzobata basa, nebasa rokutakura mitoro mutende rokusangana, vakaverengwa kwavari vakasvika zviuru zvisere namazana mashanu namakumi masere. Vakaverengwa sezvakarairwa naJehovha nomuromo waMosesi, mumwe nomumwe pabasa rake, napamutoro wake; vakaverengwa saizvozvo naye, sezvakarairwa Mosesi naJehovha.