Nehemiya 6:15-16
Nehemiya 6:15-16 SNA2002
Naizvozvo rusvingo rwakapera pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi weEruri, tavaka mazuva ana makumi mashanu namaviri. Zvino vavengi vedu vose vakati vachizvinzwa, vahedheni vose vakanga vakatipotoredza vakatya, vakaora mwoyo; nokuti vakaziva kuti basa iri rakaitwa naMwari wedu.

