Mateu 9:18-31
Mateu 9:18-31 SNA2002
Akati achavaudza izvozvo, mumwe mukuru akasvikapo, akamupfugamira, akati, “Mukunda wangu afa ikozvino, asi uyai muise ruoko rwenyu pamusoro pake, ararame.” Ipapo Jesu akasimuka, akamutevera navadzidzi vake. Zvino mumwe mukadzi, aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri, akauya shure kwake, akabata mupendero wenguo yake; nokuti akati nechomumwoyo, “Kana ndikabata nguo yake bedzi, ndichaponeswa.” Asi Jesu akatendeuka, akamuona, akati, “Mukunda, tsunga mwoyo, kutenda kwako kwakuponesa.” Mukadzi akaponeswa kubva panguva iyo. Zvino Jesu akati asvika mumba momukuru, akaona varidzi venyere navanhu vazhinji vachiita mhere-mhere, akati kwavari, “Ibvai, nokuti musikana haana kufa, asi avete.” Vakamuseka. Asi vanhu vazhinji vakati vabudiswa, akapinda, akabata ruoko rwake, musikana ndokumuka. Mukurumbira wazvo ukapararira kunyika iyo yose. Zvino Jesu akati achibvapo, mapofu maviri akamutevera, akadanidzira, achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!” Akati apinda mumba, mapofu akauya kwaari; Jesu akati kwaari, “Munotenda kuti ndinogona kuita izvozvo here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe!” Zvino akabata meso avo, akati, “Muitirwe sokutenda kwenyu.” Meso avo akasvinudzwa. Jesu akavaraira zvikuru, akati, “Chenjerai kuti zvirege kuzikanwa nomunhu.” Asi vakabuda, vakamurumbidza munyika iyo yose.

