Mateu 7:24-25
Mateu 7:24-25 SNA2002
“Naizvozvo mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akaaita, angafananidzwa nomurume akachenjera, akavaka imba yake paruware. “Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo; ikasawa, nokuti yakanga yakavakirwa paruware.

