Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 26:6-30

Mateu 26:6-30 SNA2002

Zvino Jesu akati ari paBhetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, mumwe mukadzi akauya kwaari anechinu chearibhasitera chaiva namafuta chino mutengo mukuru, akachidururira mumusoro wake, agere pakudya. Asi vadzidzi vake vachizviona, vakafa neshungu, vakati, “Kuparadzwa kwakadaro kwaitirweiko?” “Nokuti mafuta awa angadai atengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.” Asi Jesu, achizvinzwa, akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Nokuti andiitira basa rakanaka. Nokuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose. Nokuti zvaakadira mafuta awa pamuviri wangu, akazviitira kuvigwa kwangu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kwose kunozoparidzirwa Vhangeri iyi panyika dzose, izvi zvakaitwa naye zvicharehwawo, kuti vamurangarire nazvo.” Zvino mumwe wavane gumi navaviri, wainzi Judhasi Isikarioti, akaenda kuvapristi vakuru, akati, “Muchandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri?” Vakamutemera makumi matatu emari yesirivha. Zvino kubva ipapo akatsvaka nguva yakafanira yokumuisa kwavari nayo. Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, vadzidzi vakauya kuna Jesu vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko pamungadya Pasika?” Akati, “Endai muguta kuna nyakuti, muti kwaari, ‘Zvanzi noMudzidzisi, nguva yangu yava pedyo; ndichadya Pasika paimba yako, navadzidzi vangu.’ ” Vadzidzi vakaita pavakarayirwa napo naJesu, vakagadzira Pasika. Ava madekwana, akagara pakudya navadzidzi vane gumi navaviri. Vakati vachidya, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, mumwe wenyu achandipandukira.” Zvino vakava neshungu kwazvo, vakatanga mumwe nomumwe kutaura kwaari, achiti, “Ishe, ndini here?” Akapindura, akati, “Waisa ruoko neni mundiro, ndiye achandipandukira. Mwanakomana womunhu achaenda hake, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi ane nhamo munhu uyo, anouyisa Mwanakomana womunhu kuvavengi vake, zvaiva nani kumunhu uyu dai asina kuberekwa.” Zvino Judhasi, uyo akamupandukira, akapindura, akati, “Rabhi, ndini here?” Akati kwaari, “Ndizvo zvawataura.” Vakati vodya, Jesu akatora chingwa, akavonga, akachimedura, ndokupa vadzidzi vake, achiti kwavari, “Gamuchirai, mudye; uyu muviri wangu.” Akatora mukombe, akavonga, akavapa, achiti, “Inwai mose pauri.” “Nokuti iri iropa rangu rechitenderano chitsva, rakadururirwa vazhinji kuti varegererwe zvivi.” Asi ndinoti kwamuri, “Handichatongonwizve zvibereko zvomudzambiringa, kusvikira zuva iro randachizonwa naro nemi, zvava zvitsva, muushe hwaBaba vangu.” Zvino vakati vaimba rwiyo, vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.

Verenga chikamu Mateu 26