Mateu 26:47-56
Mateu 26:47-56 SNA2002
Achataura, tarira Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akasvika, ana vanhu vazhinji-zhinji vakabata minondo, netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru navakuru vavanhu. Zvino iye, akamupandukira, akanga avapa chiratidzo, achiti, “Uyo wandichatsvoda, ndiye; mumubate.” Pakarepo akasvika kuna Jesu, akati, “Kwaziwai, Rabhi!” Akamutsvoda zvikuru. Jesu akati kwaari, “Shamwari, ita zvawavinga.” Ipapo vakauya, vakaisa maoko kuna Jesu, vakamubata. Zvino tarira, mumwe wavaiva naJesu, akatambanudza ruoko rwake, akavhomora munondo wake, akatema muranda womupristi mukuru, akagura nzeve yake. Zvino Jesu akati kwaari, “Dzosera munondo wako muhara ravo, nokuti vose vanobata munondo, vachafa nomunondo. Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iko zvino vatumwa vanopfuura mapoka makuru-kuru ane gumi namaviri? “Magwaro angagoitika seiko, anoti zvinofanira kuitwa kudaro?” Nenguva iyo Jesu akati kuvanhu vazhinji, “Mabuda neminondo netsvimbo kuzondibata sendiri gororo here? Ndaigara mutemberi mazuva ose, ndichidzidzisa, mukasandibata. Asi izvi zvose zvaitwa kuti magwaro avaporofita azadziswe.” Zvino vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza.

