Mateu 26:3-16
Mateu 26:3-16 SNA2002
Zvino vapristi vakuru, navakuru vavanhu vakaungana muruvazhe rwomupristi mukuru, ainzi Kaifasi. Vakarangana kuti vabate Jesu namano, vagomuuraya. Asi vakati, “Zvirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuva nebope pakati pavanhu.” Zvino Jesu akati ari paBhetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, mumwe mukadzi akauya kwaari anechinu chearibhasitera chaiva namafuta chino mutengo mukuru, akachidururira mumusoro wake, agere pakudya. Asi vadzidzi vake vachizviona, vakafa neshungu, vakati, “Kuparadzwa kwakadaro kwaitirweiko?” “Nokuti mafuta awa angadai atengeswa nemari zhinji, ikapiwa varombo.” Asi Jesu, achizvinzwa, akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Nokuti andiitira basa rakanaka. Nokuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose. Nokuti zvaakadira mafuta awa pamuviri wangu, akazviitira kuvigwa kwangu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kwose kunozoparidzirwa Vhangeri iyi panyika dzose, izvi zvakaitwa naye zvicharehwawo, kuti vamurangarire nazvo.” Zvino mumwe wavane gumi navaviri, wainzi Judhasi Isikarioti, akaenda kuvapristi vakuru, akati, “Muchandipeiko, kana ndikamuisa kwamuri?” Vakamutemera makumi matatu emari yesirivha. Zvino kubva ipapo akatsvaka nguva yakafanira yokumuisa kwavari nayo.

