Mateu 22:34-46
Mateu 22:34-46 SNA2002
VaFarisi vakati vachinzwa kuti wapwisa vaSadhusi, vakaungana pamwechete. Mumwe wavo, mududziri womurayiro, akamubvunza, achimuedza, akati, “Mudzidzisi, murayiro mukuru pamirairo ndoupiko?” Akati kwaari, “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose. Ndiwo murayiro mukuru nowokutanga. Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu, ‘Ida wokwako, sezvaunozvida iwe.’ Murayiro wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri.” Zvino vaFarisi vachakaungana, Jesu akavabvunza, akati, “Munofungeiko pamusoro paKristu? Mwanakomana waaniko?” Vakati kwaari, “WaDhavhidhi.” Akati kwavari, “Dhavhidhi akagomutumidza seiko noMweya, Ishe wake, achiti, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu, Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako?’ Zvino, kana Dhavhidhi achimutumidza Ishe, angagova mwanakomana wake seiko?” Kwakanga kusina munhu akagona kumupindura shoko, uye kwakanga kusina munhu akatsunga kumubvunza chinhu pazuva iro.


