Mateu 22:34-40
Mateu 22:34-40 SNA2002
VaFarisi vakati vachinzwa kuti wapwisa vaSadhusi, vakaungana pamwechete. Mumwe wavo, mududziri womurayiro, akamubvunza, achimuedza, akati, “Mudzidzisi, murayiro mukuru pamirairo ndoupiko?” Akati kwaari, “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose. Ndiwo murayiro mukuru nowokutanga. Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu, ‘Ida wokwako, sezvaunozvida iwe.’ Murayiro wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri.”


