Mambo Herodhi akati achizvinzwa, akatambudzika kwazvo, neJerusaremu rose naye. Akakokera vapristi vakuru vose navanyori pakati pevanhu, akavabvunza kuti, “Kristu uchaberekerwepi.”
Vakati kwaari, “MuBheterehemu reJudhea; nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita, zvichinzi;
‘Newe Bheterehemu, nyika yeJudhea,
Hausi muduku kwazvo kuvabati vaJudha;
Nokuti mauri muchabuda Mutungamiriri,
Achafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ”
Zvino Herodhi akadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakaonekwa nyeredzi navo, akavatuma Bheterehemu, akati, “Endai munatsobvunzisisa zvomwana; kana mamuwana, mundiudze, kuti neniwo ndiuye kuzomupfugamirawo.”
Vakati vanzwa mambo, vakaenda; zvino, tarira, nyeredzi yavakanga vaona kumabvazuva, yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro peimba makanga munomwana.
Vakati vaona nyeredzi, vakafara nomufaro mukuru-kuru. Vakapinda mumba, vakawana mwana naMaria mai vake; vakawira pasi, vakamupfugamira; vakasunungura mabutwa avo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira, nemura.
Vakati vanyeverwa pakurota naMwari, kuti varege kudzokera kuna Herodhi, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.