Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 2:3-12

Mateu 2:3-12 SNA2002

Mambo Herodhi akati achizvinzwa, akatambudzika kwazvo, neJerusaremu rose naye. Akakokera vapristi vakuru vose navanyori pakati pevanhu, akavabvunza kuti, “Kristu uchaberekerwepi.” Vakati kwaari, “MuBheterehemu reJudhea; nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita, zvichinzi; ‘Newe Bheterehemu, nyika yeJudhea, Hausi muduku kwazvo kuvabati vaJudha; Nokuti mauri muchabuda Mutungamiriri, Achafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ” Zvino Herodhi akadana vachenjeri, vari voga, akavabvunzisisa nguva yakaonekwa nyeredzi navo, akavatuma Bheterehemu, akati, “Endai munatsobvunzisisa zvomwana; kana mamuwana, mundiudze, kuti neniwo ndiuye kuzomupfugamirawo.” Vakati vanzwa mambo, vakaenda; zvino, tarira, nyeredzi yavakanga vaona kumabvazuva, yakavatungamirira, kusvikira yandomira pamusoro peimba makanga munomwana. Vakati vaona nyeredzi, vakafara nomufaro mukuru-kuru. Vakapinda mumba, vakawana mwana naMaria mai vake; vakawira pasi, vakamupfugamira; vakasunungura mabutwa avo, vakamupa zvipo zvendarama, nezvinonhuwira, nemura. Vakati vanyeverwa pakurota naMwari, kuti varege kudzokera kuna Herodhi, vakaenda kunyika yavo neimwe nzira.

Verenga chikamu Mateu 2