Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 14:22-29

Mateu 14:22-29 SNA2002

Pakarepo wakagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muigwa, vamutungamirire mhiri, iye ndokusara kuendesa vanhu vazhinji. Zvino akati aendesa vanhu vazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera; ava madekwana akanga aripo ari oga. Asi igwa zvino rakanga rava pakati pegungwa, richitambudzika namafungu, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa. Nenguva yechina yousiku akauya kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka, vachiti, “Madzimudzangara,” vakaridza mhere nokutya. Pakarepo Jesu akataura navo, akati, “Tsungai mwoyo ndini, musatya.” Zvino Petirosi akamupindura, akati, “Ishe, kana murimi, ndiraire kuti ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya!” Petirosi akaburuka muigwa, akafamba pamusoro pemvura, akaenda kuna Jesu.

Verenga chikamu Mateu 14