Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 13:1-12

Mateu 13:1-12 SNA2002

Nezuva iro Jesu akabuda mumba, akandogara pagungwa. Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakaungana kwaari, nokudaro akapinda muigwa, akagaramo vazhinji vose vakamira pamhenderekedzo. Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati, “Tarirai, mukushi akabuda kundokusha. Zvino pakukusha kwake dzimwe mbeu dzakawira panzira, shiri dzikasvika dzikadzidya. Dzimwe dzakawira parukangarabwe, padzakanga dzisina ivhu zhinji, dzikamera pakarepo, nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika. “Asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa; dzikaoma, nokuti dzakanga dzisina mudzi. Dzimwe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivhunga. “Asi dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka vana; dzimwe zana, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe makumi matatu.” “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Zvino vadzidzi vakauya, vakati kwaari, “Munotaurireiko kwavari nemifananidzo?” Akapindura, akati kwavari, “Nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwedenga, asi ava havana kupiwa. Nokuti ani naani anazvo achapiwa, ave nezvakawanda; asi ani naani asina, achatorerwa nyangwe nezvaanazvo.

Verenga chikamu Mateu 13