Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maraki 1:8-14

Maraki 1:8-14 SNA2002

Kana muchindivigira chakapofumara chive chibayiro, hazvina kuipa here? Kana muchindivigira chinokamhina nechinorwara hazvina kuipa here? Chizvivigirai mubati wenyu; ungakufarirai here? Kana ungakugamuchirai here? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. “Zvino chikumbirai henyu nyasha dzaMwari, kuti atinzwire ngoni. Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Aiwa, dai kwaiva nomumwe wenyu waizarira hake mikova, kuti murege kubatidza moto paatari yangu pasina! Handikufaririyi imi ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo handingagamuchiri chamunondivigira namaoko enyu. Nokuti kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni; pose-pose zvinonhuwira zvichavigirwa zita rangu, uye chipiriso chisina tsvina; nokuti zita rangu richakudzwa pakati pavahedheni ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Asi imi munozvimhura, zvamunoti, ‘Tafura yaJehovha yakasvibiswa, zvibereko zvayo, izvo zvokudya zvayo, ngazvizvidzwe hazvo.’ Munotiwo, ‘Tarirai zvinonetsa sei!’ Mazvishora ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; makandivigira zvakapambwa, nezvinokamhina, nezvinorwara; ndizvo zvamunondivigira chipiriso; zvino ndingazvigamuchira pamaoko enyu here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Asi munyengeri ngaatukwe ane gondohwe pakati pamakwai ake, ndokupika nokubayira Ishe chinhu chakaremara; nokuti ndiri Mambo mukuru ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo zita rangu rinotyisa pakati pavahedheni.

Verenga chikamu Maraki 1