Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 15:1-32

Ruka 15:1-32 SNA2002

Zvino vateresi vose navatadzi vakaswedera kwaari, kuzomunzwa. VaFarisi navanyori vose vakagun'un'una, vachiti, “Uyu munhu anogamuchira vatadzi, achidya navo.” Zvino akavaudza mufananidzo uyu, achiti, “Ndianiko kwamuri anamakwai ane zana, kana akarasikirwa neimwe yadzo, angasasiya makumi mapfumbamwe namapfumbamwe murenje, akatevera rakarasika kusvikira ayiwana? “Kana ayiwana, anoriisa pamafudzi ake, achifara. Kana asvika kumusha, anokokera shamwari dzake navavakidzani naye, achiti kwavari, ‘Farai neni, nokuti ndawana hwai yangu yakanga yakarasika.’ “Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe anotendeuka, kupfuura pavakarurama vana makumi mapfumbamwe navapfumbamwe, vasingatsvaki kutendeuka. “Ndoupiko mukadzi ana madhirakema ane gumi, kana arasikirwa nerimwe, angarega kutungidza mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa, kusvikira ariwana? “Kana ariwana, anokokera hama dzake navavakidzani vake, akati kwavari, ‘Farai neni, nokuti ndawana dhirakema randakanga ndarasikirwa naro.’ Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro uripo pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe anotendeuka.” Zvino akati, “Mumwe munhu aiva navanakomana vaviri. Muduku wavo akati kuna baba vake, ‘Baba, ndipei mugove wenhaka uchazova wangu.’ Akavagovera pfuma yake. Mazuva mashoma akati apfuura, mwanakomana muduku akaunganidza zvose, akaenda kunyika iri kure; akaparadzako nhaka yake achifamba nemitoo yakaipa. “Zvino akati apedza zvose, nzara huru ikasvika panyika iyo, akatanga kushayiwa. Ipapo akaenda, akandozviisa kune mumwe wavanhu venyika iyo; iye akamutumira kuminda yake, kundofudza nguruve. Akanga achida kuzvigutsa namateko aidyiwa nenguruve; asi kwakanga kusina munhu waimupa. Zvino akati achizvifunga, akati, ‘Varanda vazhinji sei vababa vangu vane zvokudya zvakawandisa, asi ini ndofa nenzara. Ndichasimuka, ndiende kuna baba vangu, nditi kwavari, baba, ndatadzira wedenga, nemi, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; mundiite somumwe wavaranda venyu.’ Akasimuka, akaenda kuna baba vake. Akati achiri kure, baba vake vakamuona, vakamunzwira tsitsi, vakamhanya, ndokumufungatira, nokumusvoda. “Mwanakomana akati kwavari, ‘Baba, ndatadzira wedenga nemi, handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.’ Asi baba vakati kuvaranda vavo, ‘Kurumidzai, muuye nenguo yakaisvonaka, mumupfekedze iyo; muise mhete pamunwe wake, neshangu patsoka dzake; muuye nemhuru yakakodzwa, muibaye, tidye, tifare; nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa, araramazve; akanga arasika, awanikazve.’ Zvino vakatanga kufara. Mwanakomana wake wedangwe akanga ari kumunda; zvino akati achisvika, achiswedera paimba, ndokunzwa kuimba nokutamba. “Ipapo akadanira kwaari mumwe wavaranda, akamubvunza kuti, ‘Izvi zvinyiko.’ Akati kwaari, ‘Munun'una wako asvika, zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nokuti vamuwanazve ari mupenyu.’ ” “Asi iye akatsamwa, akaramba kupinda. Zvino baba vake vakabuda, vakakumbira zvikuru kwaari. Asi iye akapindura, akati kuna baba vake, ‘Tarirai, ndakakushandirai makore awa mazhinji, ndisingatongodariki murayiro wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu. Asi mwanakomana wenyu uyu, akaparadza pfuma yenyu nezvipfeve, akati achisvika, momubayira mhuru yakakodzwa.’ Ivo vakati kwaari, ‘Mwana wangu, iwe uneni nguva dzose, zvose zvangu ndezvako. Kwaifanira kuti tifare nokufarisisa, nokuti munun'una wako uyu wakanga afa, wararama; akanga arasika, akawanika.’ ”

Verenga chikamu Ruka 15