Jona 4:9-11
Jona 4:9-11 SNA2002
Mwari akati kuna Jona, “Zvakanaka here zvawatsamwira muchindwi?” Akati, “Zvakanaka kuti nditsamwe, kusvikira parufu pamene.” Jehovha akati, “Iwe wakanga une tsitsi nomuti womuchindwi wausina kutamburira, kana kuumeresa, iwo, wakamera nousiku humwe, ukapararazve nousiku humwe; ko zvino ini handizaifanira kuva netsitsi neNinivhe, riya guta guru, muna vanhu vanopfuura zviuru zvine zana namakumi maviri, vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi kana ruoko rwavo rworuboshwe ndorupi, uye zvipfuwo zvizhinji here?”

