Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 41:1-6

Jobho 41:1-6 SNA2002

“Ko ungagona kubata ngwena nechiredzo, Kana kutsikirira rurimi rwayo norwonzi here? Ungagona kupinza rwauro pamhino dzayo, Kana kuurura rushaya rwayo nechikokovono? Ko ingakunyengetera zvikuru here? Kana ingataura mashoko manyoro kwauri? Ingaita sungano newe here, Kuti uiite muranda wako nokusingaperi? Ungatamba nayo sezvaungaita neshiri here? Kana ungaisunga kuti vanasikana vako vatambe nayo? Mapoka avabati vehove angaitengesa here? Vangaigovera vatengi?

Verenga chikamu Jobho 41