Ivo vakati kwaari, “Mai, munochemeiko?” Akati kwavari, “Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuisa.” Zvino akati achireva izvozvo, akatendeukira shure, akaona Jesu amire; asi haana kuziva kuti ndiJesu. Jesu akati kwaari, “Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko?” Iye achiti ndiye murimi womunda, akati kwaari, “Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiudzei pamamuisa, ndindomutora.” Jesu akati kwaari, “Maria!” Iye akatendeuka, akati kwaari nechiHebheru, “Rabhoni;” ndokuti, “Mudzidzisi.” Jesu akati kwaari, “Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kuna baba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari, ndinokwira kuna baba vangu nababa venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”
Verenga chikamu Johani 20
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 20:13-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo