Vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira Bhaari; vakarasha Jehovha mwari wamadzibaba avo, wakanga avabudisa munyika yeIjipiti, vakatevera vamwe vamwari vavanhu vakanga vakavapoteredza, vakavapfugamira, vakatsamwisa Jehovha. Vakarasha Jehovha, vakashumira Bhaari neAshitaroti. Kutsamwa kwaJehovha kukamukira vaIsiraeri, akavaisa mumaoko avaparadzi vakavaparadza, akavatengesa mumaoko avavengi vavo vakanga vakavapoteredza; naizvozvo vakanga vasingagoni kumira pamberi pavavengi vavo. Pose-pose pavaienda, ruoko rwaJehovha rwairwa navo nokuvaitira zvakaipa, sezvakanga zvataurwa naJehovha, uye sezvavakanga vapikirwa naJehovha; vakatambudzika kwazvo. Zvino Jehovha akamutsa vatongi, vaivarwira mumaoko avaivaparadza. Kunyange zvakadaro havana kuteerera vatongi vavo, nokuti vakapata vachitevera vamwe vamwari, vakavapfugamira; vakakurumidza kutsauka panzira yaifamba madzibaba avo, vaiteerera mirairo yaJehovha; asi ivo havana kuita saizvozvo. Zvino Jehovha waiti kana achinge achivamutsira mutongi, Jehovha waiva nomutongi uyo, ndokuvarwira pamaoko avavengi vavo mazuva ose omutongi uyo; nokuti Jehovha wakazvidemba pamusoro pokugomba kwavo nokuda kwavaivamanikidza nokuvanetsa. Asi kana mutongi afa, vakadzokazve, vakaita zvakaipa kupfuura madzibaba avo, pakutevera vamwe vamwari, nokuvashumira, nokuvapfugamira; havana kurega mabasa avo kana mufambiro wemwoyo yavo mikukutu.
Verenga chikamu Vatongi 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Vatongi 2:11-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo